Madzimai Ochema Chema Nekushaiswa Zvigaro Musarudzo Dzapfuura

Muzvare Stabile Dewa

Masangano anomirira madzimai ari kushushikana kuti mapato ezvematongerwo enyika haasi kupa vanhukadzi mikana yakaenzana nevanhurume musarudzo achiti izvi zvakaburitswa pachena nesarudzo dzemaby-elections dzichangobva mukuitwa.

Humbowo kubva kuZimbabwe Electoral Commission (ZEC) hunoratidza kuti zvikamu gumi nezvishanu nechidimbu kubva muzana kana 15.5 percent zvevanhu vakakunda musarudzo dzemakanzuru vaive madzimai uye zvikamu makumi maviri nechimwe nechidumbu kubva muzana kana kuti 21.4 percent madzimai akakunda musarudzo dzeparamende.

Sachigaro wesangano reWomen’s Coalition, Amai Evernice Manando, vanoti izvi hazvienderani nezvino shuvirwa nebumbiro remutemo.

Vanoti izvi hazvirevi kuti madzimai anotadza kukunda vachiti havasi kupihwa mukana yekuti vapinde musarudzo vakawanda.

Vakurudzira vemapato ezvematongerwo enyika kuti vatevedze bumbiro remutemo vachiti nyaya yekuti madzimai mashoma mumakanzuru neparamende ndiyo inoitawo kuti nhunha dzavo disagadziriswa nguva dzese nekuti varume havanzwisise matambudziko anotarisana nemadzimai.

Mukuru wesangano reWomen’s Academy for Leadership and Political Excellence Muzvare Stabile Dhewa vati zvinosuwisa kuti madzimai akabuda akawanda vachivhotera varume nekuti vakadzi vanenge vachikwikwidza vanenge vari vashoma.

Vatiwo vemapato ezvematongerwo enyika vanofanira kupa mikana kumadzimai kuti akwikwidze zvigaro akasununguka.

Vatiwo apo nyika yatarisana nesarudzo dza2023 sangano ravo richange richiongorora kuti mapato ezvematongerwo enyika anotevedza bumbiro remutemo here.

Rimwe sangano rakapinda musarudzo dzemaby-election reMDC- T inotungamirirwa naVaDouglas rabvuma kuti harina kutevedza bumbiro asi rikati nhasi chaiko komiti yepamusoro yebato iri yaita musangano apo yazeya nyaya dzakawanda kusanganisira nyaya yekuti madzimai apihwe mukana yekukwikwidza musarudzo.

Mutauriri webato iri VaWitness Dube vati itariro yavo kuti vazadzise zvinodiwa nebumbiro remutemo pasarudzo dza2023.

Mutungamiriri wesangano reLabour, Economists and Africa Democracts, Amai Linda Masararira, vati bato ravo rinotevedza bumbiro remutemo.

Vati pavanhu vatanahatu vakakwikwidza vakamirira bato ravo pamaby-election, vashanu vavo vaive madzimai nemurume mumwe.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubato ririkutonga reZanu PF kuti sei risiri kutevedza bumbiro pakusarudza nhengo dzeparamende nemakanzuru sezvo mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato iri VaTafadzwa Mugwadi vange vasiri kudaira nhare mbozha yavo.

Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change iro rakakunda musarudzo dzemaby-election, Advocate Fadziyi Mahere, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinokurudzira kuti madzimai apinde akwikwidze zvigaro zvese zvigangave zveparemende.

Asi vati pamaby-elections havana kuita izvi nekuti vatsigiri vebato ravo vaida kuti vainge vadzingwa vadzokere pazvigaro zvavo.

Bumbiro remutemo paChapter 2 chikamu chegumi nechinomwe rinokurudzira kuti pave nemikana yakafanana pakati pevakadzi nevarume asi izvi hazvisi kutevedzwa nevazhinji sezvo pasati pave nemutemo wakanangana nazvo kana kuti Act of Parliament inomakidza kuti zviitwe.

Constitutional Amendment Number 2 inosungirawo kuti zvigaro makumi matatu kubva muzana mumakanzuru ese zvinofanira kunge zviri zvemadzimai.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya