ZEC Inoti Kunaya KweMvura Ndokononotsa Kuziviswa kweZvakabuda Musarudzo

Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Mutauriri wesangano rinoona nezvesarudzo munyika VaJasper Mangwana vanoti nyaya yekusamira zvakanaka kwemamiriro ekunze zvikuru kunaya kwakaita kunze mamwe matunhu nemusi weMugovera paiitwa sarudzo ndiyo yave kupa kuti zvimwe zvakabuda musarudzo zvinonoke kuziviswa zviri pamutemo.

VaMangwana vaudza Studio 7 kuti inzvimbo shoma shoma dzasara uye dzange dzisingafambike zvapa kuti zvinonoke kuti vakuru vari kuona nezvesarudzovaziviswe kuti sarudzo dzakafamba sei.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJasper Mangwana

Kunyangwe hazvo mapato akakwikwidza musartudzo ari akawanda ari kuburitsa zvakabuda musarudzo kubva kune vaiva mirira panzvimbo dzekuvhotera, ZEC haisati yaburitsa zviri pamutemo zvose zvakabuda musarudzo idzi.

Sarudzo dzemaby-elections dzakaitwa mumakanzuru zana nemakumi matatu nematatu uye mudare reparamende mange mine sarudzo makumi maviri nesere. Izvi zvinotevera kudzingwa kwakaitwa dzimwe nhengo zhinji mubato reMDC Alliance, PDP neZanu-PF.

Dzimwe nhengo dzakafa. Sarudzo dzakanonokawo kuitwa nekuda kwechirwere cheCovid-19 chakatanga kupararira muna 2020.