Zvizvarwa zveZimbabwe Mazana Mashanu Zvakapisirwa Dzimba neZvizvarwa zveKuLesotho Pakurwisa muSouth Africa

Bepanhau reIndependent On Line Zvizvarwa zveZimbabwe mazana mashanu zvinonzi zvakasara zvisina pekugara munzvimbo yemapurazi yeRobertson muSouth Africa mushure mekurwiswa nezvizvarwa zvekuLesotho zviri kudawo mabasa nemusi weChina neChishanu.

Bepanhau iri rinoti nhasi zvizvarwa zvekuSouth Africa, vemabhizimisi, makereke nemamwe masangano vange vachibatsira zvizvarwa zveZimbabwe izvi nezvekudya, zvekufuga nezvimwe sezvo zvakapisirwa misha.

Kune mamwe maguta zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zviri kumborwiswawo nezvizvarwa zvekuSouth Africa zvakaparura chirongwa chinonzi Operation Dudula.

Rimwe sangano rinonzi Kopananga range richida kuratidzirawo muJohannesburg mangwana richishora kurwiswa kwevekunze ava asi rarambidzwa nemapurisa richinzi rinogona kurwiswa neveOperation Dudula uye rati richakwira kudare kuti ribvumidzwe kuratidzira.

Mapurisa ndiwo akazodaidzwa kuzopedza mhirizhonga inotyisa iyi.