Mutungamiri weZanu PF, VaMnangagwa, Voyambira Masangano Akazvimirira Kuti Asiyane neZvematongerwo eNyika

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeZanu PF dziri pamusangano webato iri wekutsvaga ry=uts

Mutungamiri weZanu PF vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vayambira vemasangano akazvimirira oga kuti varambe vari mundima yebasa rawo, vasiyane nekupinda mune zvematongerwo enyika.

Vachitaura kumusangano webato ravo wekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzema by-election dziri kuitwa Mugovera unouya waiitirwa kuSiabuwa kuBinga kuMatabeleland North, VaMnangagwa vati hurumende yavo haizotyi kudzinga munyika masangano anenge apinda mune zvematongerwo enyika.

VaMnangagwa vataurawo nezvezvirongwa zvebudiriro zviri kuitwa nehurumende yavo mudunhu reMatabeleland North vakati mari inosvika RTGS$3.2 billion yakapiwa kuti kuvakwe zvikoro, makiriniki, madhibhi nechikoro chemabasa emaoko uye vakati kuchavakwa chikoro chekudzidzisa vakoti.

VaMnangagwa vakumbira ruregerero kuvagari vekuBinga vakati kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980 havana kuwana nguva yekushanyira dunhu iri, asi vavimbisa kuti kubva nhasi zvichienda mberi vave kuona kuti vashanyira dunhu iri.

Vatiwo vachawanisa madzishe edunhu iri dzimotokari dzekufambisa, mvura yakachena uye kuvagadzirira migwagwa, ivowo madzishe vozokurudzirawo vanhu kuti vavhotere Zanu PF.

VaMnangagwa vakurudzirawo vanhu vanga vari pamusangano uyu kuti vavhotere Zanu PF musarudzo dzema by-election idzi vachiti mapato anopikisa haana chaanovapa.

Vaperekedzwa nevatevedzeri vavo mubato VaConstantino Chiwenga naVakembo Mohadi, VaObert Mpofu pamwe nevamwe vakuru muZanu PF uye VaBlessing Chebundo, avo varatidzwa zvakare kune veruzhinji semumwe wevanhu vakabva kubato reMDC-Alliance.

Mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, avo vanga vari kuBinga, vanoti kuenda kwaita VaMnangagwa nemakurukota avo kuBinga zvinoratidza kuti zvichemo zvevagari zvakasvitswa kwavari zvakatambira.

VaMugwadi vanoti zvose zvavimbiswa naVaMnangagwa hazvineyi nesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa, sezvo hurumende yavo iri kuzvipira kuzadzisa vimbiso dzayo dzose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi