VaMnangagwa Vobatana neVamwe Vatungamiri Kuchema VaRupiah Banda

Vaimbova mutungamiri weZambia'VaRupiah Banda vakashaya nechirwere chegomarara.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeZambia VaRupiah Banda avo vakaberekerwa kuGwanda, Zimbabwe ichiri kunzi Southern Rhodesia vari kuradzikwa nemusi weChishanu panoradzikwa vatungamiri venyika paEmbassy Park muLusaka.

Nemusi weChina vatungamiri nevaive vatungamiri venyika dzemuAfrica vabatana kuLusaka Showgrounds kuchema VaBanda avo vakafa vave nemakore makumi masere nemashanu.

Vamwe vaivepo vanosanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe kubva kuNamibia, South Africa, Botswana, eSwatini, Angola ne Democratic Republic of Congo. VaBanda ndivo vakave mutungamiri weZambia wechina kubva nyika iyi zvayakawana kuzvitonga kuzere muna 1964.

Mufi akaberekwa muna 1937. VaBanda vakakurira muZimbabwe, vakanodzidza kuEthiopia vasati vaenda kuSweden. Vakamboitawo mumiriri weZambia kuEgypt nekuAmwerica vasati vaitwa gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Muna 2006 semutevedzeri wemutungamiri wenyika naVaLevy Mwanawasa avo vakazotanga kurwara nechirwere chekuona mutezo muna 2008.V

aBanda vakabudirira kukunda musarudzo dzemutungamiri wenyika muna 2008 asi vakazokundwa musarudzo dza2011 naMushakabvu Michael Sata.

Mumiriri weWarren Park mudare reparamende vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaShakespear Hamauswa avo vakambodzidzisa paMulungushi University kuZambia vanoti VaBanda vakaita zvakanaka pavakasiya basa murunyararo mushure mekukundwa musarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere