Sangano reVarairidzi reZIMTA Rinokwira kuDare reHigh Court Kuti Hurumende Idzose Varairidzi Vakambomiswa Mabasa

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwe Teachers' Association inoti varairidzi vakambomiswa mabasa havana kupiwa mukana wekuzvidzivirira pamhosva dzavari kupomerwa.

Rimwe sangano revarairidzi, reZimbabwe Teachers’ Association, ZIMTA, rakakwira kudare repamusoro reHigh Court richida kuti dare iri ripe mutongo wekuti hurumende irase danho rayo rekumbomisa basa varairidzi vakanga vasiri kuenda kumabasa kubva pakavhurwa zvikoro vachiti vakanga vasina mari dzekufambisa.

Mutauriri wesangano iri, VaGoodwell Taderera, vanoti vatora danho rekuenda kudare redzimhosva nekuti hurumende haina kutanga yapa varairidzi ava mukana wekuti vapewo mativi avo pamhosva yavari kupomerwa isati yavatorera matanho, sezvinokurudzirwa pasi pemutemo we Administrative Justice Act .

VaTederera vanoti ZIMTA inodawo kuti zvikamu zvemutemo zvakashandiswa nehurumende kuranga varairidzi ava zvinzi nedare zviri kunze kwemutemo.

Mapepa akasvitswa kudare nemagweta eZIMTA, e Messers Matika, Gwisai and Partners anodoma bazi redzidzo yepasi pamwe nePublic Service Commission semapoka akwirirwa dare.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGoodwell Taderera