LIVETALK DIASPORA FORUM; nhasi tiri kutarisa nezvekurwiswa kwezvizvarwa zvekune dzimwe nyika muAlexandra, South Africa uko zvakaparadzirwa zvitoro nenzvimbo dzekutengesera nezvizvarwa zvenyika iyi. Tichatarisawo nezvekuvhurwa kwemiganho yenyika kune vose vakabaiwa nhomba dzekudzivirira kupararira kweCovid-19. Tichapeta chirongwa nekutarisa hondo iri kuitika muUkraine zvichitevera kupinda nechisimba kweRussia, izvo zvasiya mamiriyoni evanhu, kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muUkraine vasisina pekugara. Vadare vedu nhasi tina Doctor Vusumuzi Sibanda, sachigaro vesangano reAfrican Diaspora Forum, VaSipho Ngulube, chizvarwa cheZimbabwe chiri muSouth Africa pamwe naMuzvare Nomthandazo Nkomazana chizvarwa cheZimbabwe chiri kuMumbai kuIndia. Vanemi muchirongwa ndiJonga Kandemiiri naGibbs Dube.
LIVETALK DIASPORA FORUM; KURUME 09, 2022
Your browser doesn’t support HTML5
Nhasi tiri kutarisa nezveOperation Dudula, kuvhurwa kwemiganhu nehondo yekuUkraine. Vadare vedu tina Doctor Vusumuzi Sibanda, VaSipho Ngulube naMuzvare Nomthandazo Nkomazana. Vanemi muchirongwa ndiJonga Kandemiiri naGibbs Dube.