Nyaya Yekuongorora Mashandiro eVatori veNhau Younza Mutauro Pakati Pavo neHurumende

Zimbabwe World Press Freedom Day

Masangano anomirira vatori venhau munyika akaita musangano nemusi weChipiri muHarare akaita chisungo chekuti acharamba achitara mashandiro evatori venhau pasi pesangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe kana hurumemende ikasadzika zvido zvavo mumutemo wemashandiro avo mutemo uri kuda kudzikwa weMedia Practioners Bill.

Musangano uyu wange uchikokerwa neMISA -Zimbabwe neVoluntary Media Council of Zimbabwe (VMCZ). Mukuru weMISA Zimbabwe, VaTabani Moyo, vakati vanoshushikana nezvave kuitika zvekuti hurumende inenge yave kudududza pachisungo chayo chekuti pasi pemutemo uri kuda kudzikwa uyu, hurumende nevatori venhau vaite mushandirapamwe pakuona mashandiro evatori venhau.

VaMoyo vati hurumende yave kutora nguva yakareba kubuda nehwaro hwekuti bhiri reMedia Practioners Bill richange rakamira sei uye vati kana hurumende ikasavapa simba pamutemo uyu, vacharega kutsigira mutemo uyu voramba vachitevedza hurongwa hwekutara mashandire avo pasi peVoluntary Media Council of Zimbabwe.

Vati chavanoda ndechekuti Zimbabwe Media Commission (ZMC) yehurumende neVMCZ zvishande pamwe chete vachiti kana pachinge paita nyaya vatori venhau vanenge vaine zvichemo vanofanira kutanga vaenda kuVMCZ nyaya yozoperera kuZMC kana ichinge yatadza kupedzwa neVMCZ.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reMedia Alliance of Zimbabwe, VaNigel Nyamutumbu vatiwo hurumende haitombofanira kuve nechekuita nemafambisirwo ebasa revatori venhau vachiti vanoona sekuti VMCZ inofanira kusimbaradzwa kuti ikwanise kuita basa rayo nemazvo.

Vatiwo Zimbabwe Media Commission ine basa rakawanda nekudaro inofanira kusiyaVMCZ ichiongorora vataru venhau.

Sachigaro wesangano revapeteti venhau, reZimbabwe National Editors Forum, VaDumisani Mleya, vanoti zvinofadza kuti hurumende iri kuda kuuya nemutemo unoona nezvemashandire evatori venhau, uye vati vachaumba komiti ichashanda nehurumende kuona kuti zvido zvavo zvinenge zviri mutemo uyu.

Vati kana izvi zvikaramba vacharamba vachitaura nehurumende kudzamara zvaita. Asi vamwe vakaita saVaAndrew Moyse, vati vatori venhau havatombofanira kunge vachizvinetsa nekutaura pamusoro pemutemo uyu vachiti pane mitemo yakawanda munyika inokwanisa kushandiswa kana vatapi nenhau vakatadza kuita basa.

Vati zviri pachena kuti hurumende iri kuda kushandisa mutemo weMedia Practitioners Bill kuramba yakabata mashandiro anooita vatapi venhau.

Gweta munyaya dzekufambiswa kwemashoko, VaChris Mhike, vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vatori venhau vari kugunun’una nekunonoka kuri kuita hurumende kuumba mutemo uyu anobatanidza zvinenge zvabva kuparamende nezvakagadzirwa nevatori venhau kunyange hazvo yakaita chisungo chekuita izvi apo yakatanga kuputsa mutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act (AIPPA).

Asi mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekukuritswa kwemashoko, VaKindess Paradza, vaudza Studio 7 kuti vatori venhau havafaniri kugunun’una nekuti vakapihwa mukana wekunyora bhiri iri vakatadza nekudaro hurumende yave kuzviita yoga.

VaParadza vati hapana chakashanduka pane chisungo chavakaita uye bhiri iri richange rapera kunyorwa mwedzi unouuya.

Vanoti kana bhiri iri richinge ravepo masangano ese evatori venhau pamwe neZimbabwe Media Commission vachakokwa kuti vari zeye risati raendeswa kuparamende.

Mutemo weAIPPA wakatobviswa pakaumbwa mitemo yeFreedom of Information neZimbabwe Media Commission Act asi pane dzimwe nyaya dzakaita semashandiro evatori nenhau dzisina kugadziriwa mumitemo miviri iyi idzo dzichagadziriswa neMedica Pracitioners Bill.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya