Vanhu Vanodarika Mamiriyoni Matanhatu (6M) Vafa neCovid-19 Pasi Rose

  • Blessing Zulu

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere cheCovid-19 pasi rose inoti vanhu vanodarika mamiriyoni matanhatu kana kuti 6 million vafa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga kupararira pasi rose muna 2019.

MuAmerica chete vanhu vanodarika zviuru mazana mapfumbamwe zvine makumi matanhatu nechimwe kana kuti 961 000 vafa nechirwere ichi.

Vanhu vasina kubayiwa nhomba vakawanda ndivo vari kunzi vari kufa zvakanyanya.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu mazana mashanu nemumwe vakabatwa nechirwere cheCovid-19 kusanganisira vana vechikoro zana nemakumi matatu nevatanhatu.

Vanhu makumi manomwe vanonzi vari kurwara neCovid-19 vari muzvipatara zvakasiyana siyana munyika.

Bazi rezvehutano rinoti nezuro hakuna munhu akafa nechirwere cheCcovid-19 zvasiya vafa nacho kubva zvachatanga kupararira munyika muna 2020 vachiri zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevapfumbamwe kana kuti 5 399.