Hurumende yeBritain Yodzosera Zvimwe Zvizvarwa zveZimbabwe Kumusha

  • Jonga Kandemiiri

Zvizvarwa zveZimbabwe zvichiratidzira zviri pamuzinda weZimbabwe uri muLondon.

Hurumende yeBritain iri kutarisirwa neChitatu manheru kudzosera kumusha zvizvarwa zveZimbabwe zvingada kusvika kana kudarika zana zvinonzi nenyika iyi zvanga zviri muBritain zvisina magwaro anozvibvumidza kugaramo, kanawo kuti zvakapara dzimhosva dzakasiyanasiyana.

Bazi rezvemukati menyika muBritain reBritish Home Office, rinoti pane ndege yakatogadzirirwa hurongwa uhwu ichasimuka kuenda kumusha kuZimbabwe.

Mutauriri wesangano rinorwira kodzero dzevanhu reRestoration of Human Rights Zimbabwe, VaPanyika Karimanzira, vanoti ivo nemagweta ari kumirira vanhu ava pamwe nehama dzavo vanga vari mushishi kuedza kuti vanhu ava vasadzoserwa kumusha.

VaKarimanzira vanoti patataura navo vanga vakwanisa kununura vanhu vanodarika gumi.

Vanoti chinorwadza ndechekuti vanhu ava vakasungwa panguva dzavaienda kumahofisi emukati menyika kunozviratidza kana kumakisa sezvinodiwa nemutemo.

Vanotiwo vari kudzoserwa kumusha ava havana kana kupiwa mukana wekuti varongedze midziyo yavo yavanga vave nayo muBritain.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPanyika Karimanzira