Hurumende Inoti Hapana Mwana weChikoro Afa neCovid-19 Kunyangwe Vakawanda Vabatwa neChirwere Ichi

Vane vechikoro kuChitungwiza (Columbus Mavhunga/VOA)

Mukuru anoona nezvekudzivirirwa kwechirwere cheCovid-19 munyika Dr Agnes Mahomva vanoti kunyangwe huwandu hwevana vechikoro vari kubatwa neCovid-19 huri kuramba huchikwira, hapana mwana ati afa nechirwere ichi kusvika parizvino.

Vana vechikoro mazana masere nemakumi mapfumbamwe kana kuti 839 vabatwa nechirwere cheCovid-19 mumavhikimnaviri adarika chete. Pavanhu zana nemakumi manomwe nevaviri vakabatwa nechirwere ichi nemusi weSvondo, makumi maviri nemumwe vana vechikoro.

Izvi zvasiya vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira vave zviuru mazana maviri zvine makumi matatu nemashanu nemazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nemashanu kana kuti 235 975.

Nemusi weSvondi bazi rezvehutano rinoti hakuna munhu akafa nechirwere ichi zvasiya vafa nacho vachingori zviuru zvishanu nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevana kana kuti 5 394.

Bazi rezvehutano rinotiwo vanhu mamiriyoni mana nezviuru mazana matatu zvine makumi mashanu nezvishanu nemazana mashanu nemakumi masere kana kuti 4 355 580 vabayiwa nhomba yekutanga yeCovid-19.

Vanhu vabayiwa nhomba kaviri vave mamiriyoni matatu nezviuru mazana matatu zvine makumi masere nezvipfumbamwe nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nevanomwe kana kuti 3 389 597.

Vanhu vabayiwa nhomba katatu vave zviuru zana nemakumi maviri zvine mazana matanhatu nemakumi manomwe nevatatu kana kuti 120 673.

Bazi rezvehutani rinoti rine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi nhomba kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana kuti inyatsoshanda zvakanaka.

Hurumende yave kukurudzirawo kuti vana vane makore gumi nemaviri kuti vabayiwe nhomba zvanzi naDr Mahomva zvinogona kubatsira kuti vana vakawanda vasabatwe neechirwere ichi.