Hurukuro naVaBernard Manyenyeni

Your browser doesn’t support HTML5

Muchikamu chedu chatinotarisa zvatinosangana nazvo muhupenyu, nhasi tine hurukuro nevaimbove meya veguta reHarare, VaBernard Manyenyeni vachipawo pfungwa dzavo pamusoro pebhajeti ra2022 richangobva kuziviswa nekanzuru yeHarare, reZWL$41.8 billion. VaManyenyeni vanokurudzira vagari kuti vabhadharewo zvikwereti zvavo kuitira kutsigira kanzuru nemari muzvirongwa zvayo zvebudiriro. Panyaya yemigwagwa, vaimbove meya ava vanoti harisi basa remari yekanzuru rekugadzirisa migwagwa, asi kuti rinofanirwa kunge richiitwa nemari inobva kuZINARA.