CCC Yopomera Mapurisa Mhosva Yekuvhiringidza Zvirongwa Zvayo

  • Blessing Zulu

UMnu Nelson Chamisa uzaqhuba umhlangano wokukhankasela ukhetho eHarare ngeSonto.

Mumiriri weWarren Park mudare reparamende vari nhengo yeCitizens Coalition for Change kana kuti Tripple C VaShakespear Hamauswa vanoti bato reZanu-PF riri kushandisa mapurisa kuvhiringidza zvirongwa zvebato ravo.

Bato reCCC riri kutungamirwa naVaNelson Chamisa vaimbotungamira bato reMDC Alliance.

Tripple C iri kuparura hurongwa hwayo kuZimbabwe Grounds kuHighfield muHarare nemusi weSvondo pamberi pesarudzo dzemaby-elections dziri kuitwa musi wa 26 Kurume.

Asi nezuro vakuru vemapurisa vakatara zvakawanda zvekuti bato iri ritevedzere zvinosanganisira kusatakura vanhu nemabhazi uye kutevedzera mitemo yeCovid-19 izvo zvose zvisina kuitwa nebato reZanu-PF parakaita musangano waro kuEpworth uko mabhazi ehurumende eZUPCO anonzi ainda kunotora vanhu kune mamwe matunhu.

VaHamauswa vanoti nhengo dzebato ravo dziri kurohwa uye kusungwa nemapurisa nevebato reZanu-PF. Asi nhengo yeZanu-PF VaGilbert Dzikiti vari kuramba mashoko aya vachiti mapurisa haatarise kuti wabuda mumba maani.

Sarudzo idzi dziri kuitwa zvichitevera kudzingwa mudare reparamende kwedzimwe nhengo dzeMDC-T, PDP, Zanu-PF nedzimwe nhengo dzakafa mumakanzuru nemudare reparamende.