Chimwe chizvarwa che Zimbabwe chiri muSouth Africa chakakuwadza zvakaipisisa mwedzi wapera mushure mekurwiswa nevanofungidzirwa kuti zvizvarwa zvenyika iyi zviri kunyunyuta kuti zviri kutorerwa mabasa nevekunze, chakabuda muchipatara nemusi weMuvhuro.
VaNoah Chiunda, avo vanotyaira marhorhi makuru kana kuti magonyeti, vakakandirwa bhambu reputuru mugonyeti ravaityaira musi wa 15 Ndira gore rino pavakasvika pamugodhi wemarasha we Impunzi uri ku Mpumalanga muSouth Africa makare uye vanoti vave kunzwa zviri nani kunyange hazvo vasati vanyatsopora.
VaChiunda vanoti vakatsva makumbo, maoko nemaoko ose pamwe nekumeso, uko kwavanoti hakuna zvako kunyanya kukuwara.
Aka hakasi kekutanga kuti chizvarwa cheZimbabwe chinotyaira magonyeti chirwiswe nemoto muSouth Africa. Muna 2019, VaRonias Tavengwa vakakandirwa zvakare bhambu repeturu nemoto ku Isipingo, pedyo neDurban vakapiswa zvakaipisisa izvo zvakazoita kuti varasikirwe nehupenyu muna 2020.
Zvizvarwa zveSouth Africa zviri kurwisa vatyairi pamwe nevamwe vashandi vanobva kunze kwenyika iyi zvichiti zviri kuvatorera mabasa avo.
Izvi zvapindirwawo nevamwe vezvematongerwo enyika, kusanganisira mutungamiri webato rinopikisa reEconomic Freedom Fighters, VaJulius Malema, avo vakatombopinda muzvitoro zvinotengesa zvekudya zvinoshandirwa nevekunze kwenyika iyi vachida kuona huwandu hwevekunze vanoshanda munzvimbo idzi kana zvichienzaniswa nevemunyika iyi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaNoah Chiunda