Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanosangana neMutungamiri weMozambique kuMaputo

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Nyanzvi ndzezvematongerwo enyika pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika vari kuita muonero wakasiyana pamusoro perwendo rwemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vaenda kuMozambique mushure mekukokwa nemumwe wavo VaFillipe Nyusi.

Vaviri ava vataura nyaya dzakawanda dzinosanganisira kudyidzana pakati penyika mbiri idzi pamwe nenyaya dzekugadzikana nerunyaro munyika yeMozambique.

Pataenda pamhepo tange tisati taziva kuti musangano uyu wafamba sei asi imwe nyaya huru yanga yakatarisirwa kutaurwa nezvayo inyaya yekusangadzikana kwakaita muMozambique kudunhu reCaBo Delgado pamwe nenyaya yerunyararo mudunhure rese reSADC.

Bato guru rinopikisa munyika, reCitizens Coalition for Change, rinoti nemamiriro akaita zvinhu munyika misangano yakaita sewanhasi yafanira kuitwa pamadandemutande.

Mutevedzeri wemutauriri webato iri, VaGift Ostallosa Siziba vaudza Studio 7 kuti mutungamiriri wenyika haafaniri kushandisa mari achienda kumisangano inogona kuitwa pamadandemutande.

Vaenderera mberi vachiti matambudziko ari munyika akaita sekudonha kuri kuita hupfumi, kuparara kwezvipatara, kuramwa mabasa kwevarairidzi pamwe nezvimwe kunogona kukonzera kusangadzikana munyika. VaSiziba vati pachinhambo chekuti VaMnangagwa vaende kunogadzirisa matambudziko edzimwe nyika, ivo ndivo vanotoda kubatsirwa.

Izvi zvatsigirwa neVaSydicks Muradzikwa avo vanoongorora nyaya dzematongeterwo enyika vakazvimirira. VaMuradzikwa vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa kuti sahwira agadzirise mhirizhonga mumusha wemuvakidzani wake vachiti zvinonakidza kuita chete kana iyi akachena.

Asi mutevdzeri wasachigaroweMDC Alliance, VaGiles Mutsekwa, avo vakamboshanda muchiuto vaudza Studio 7 kuti rwendo rwaVaMnangagwa kuMozmbique rwakakosha zvikuru nekuti vari kurwisa Mozambique vanogona kupinda mune dzimwe nyika dzemuSADC.

VaMutsekwa vatiwo zvakaitwa neAfrican Union zvekupinza Zimbabwe mukanzuru yayo inoona nezvekuchengetedzwa kwevanhu yeSecurity Council, zvakakosha vachiti vanovimba kuti izvi zvichabatsira mauto enyika kuti asambunyikidze vanhu sezvaari kuita pari zvino.

Hatina kukwanis kubata mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi vakaudza vatori venhau nemusi weChitatu kuti kudomwa kweZimbabwe kuve nhengo yeAfrican Union Security Council kunoratidza kuti Africa ine chivimbo chekuti Zimbabwe inogona basa rekuchengetedza runyararo.

Izvi zvatsinhirwa nemurairidzi wepaGreat Zimbabwe University, VaJoel Mukusha, avo vaudza Studio 7 kuti VaMnangagwa pachavo munhu ane hunyanzvi munyaya dzekuchengetedza runyararo kubva kare vachiti ndosaka VaNyusi vavakoka kuti vazopangwa mazano.

Nyika dzemuSADC kusanganisira Zimbabwe dzakatumira mauto kuMozambique kuti andobatsira nyika iyi kurwisa vanopfurikidza mwero mudunhu reCabo Delgado.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Godwin Mangudya