Hurumende Inovhara Matunhu eKariba neHurungwe neKuda kweCovid-19

Vanhu havachabvumidzwa kufambafamba mumatunhu eKariba neHurungwe kuMashonaland West nekuda kwekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19.

Hurumende yakavhara matunhu madiki eHurungwe neKariba kuMashonaland West kwemasvondo maviri nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura neStudio 7, mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald
Mujiri, vanoti hurumende yakavhara nzvimbo idzi sezvo huwandu hwevanhu
vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira
zvakanyanya.

VaMujiri vanoti hapana nguva yati yatarwa kuti nzvimbo idzi dzinenge
dzakavharwa kusvika riini asi vanoti nguva yekuvharwa ichaziviswa kana
hurumende yaona hudzamu hwechirwere ichi munzvimbo idzi.

Izvi zvatsigirwa nemukuru mubazi rezvehutano mudunhu reHurungwe, Dr.
Frankson Masiye avo vanoti vanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19
mudunhu mavo huri kuwira.

Dr Masiya vanoti vanhu zana negumi nevana vakabatwa nechirwere
cheCovid-19 mumazuva matatu apfuura kusanganisira madzimai gumi nevana vakazvitakura pachipatara cheChidamoyo muHurungwe.

Vaimbove gurukota rezvehutano Dr Henry Madzorera vanoti kuvhara
nzvimbo dzinenge dziine chirwere cheCovid-19 chinenge chanyanya zviri
kuita hurumende chinhu chakanaka pane kuvhara nyika yose.

Asi Dr Madzorera vanoti dambudziko riripo nderekuti humbowo huri
kushandiswa kuvhara maguta hausi kutaurwa zvinoita kuti vanhu
vawirirane nezvinenge zvaita hurumende.

Dr Madzorera vanoti kuvharwa kuri kuitwa maguta aya hakushande sezvo
vanhu vachiramba vachiita madiro ajojina.

Patabvunza mapurisa kuti ndeapi matanho avari kutora kuti vanhu
vachengetedze mitemo yekuvharwa kuKariba neHurungwe mutevedzeri
wemutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Asst Inspector, VaIan Kohwera vati havakwanise kutaura nezvenyaya dzekuvharwa kwenzvimbo vachiti titaure nemutauriri wemapurisa munyika Assistant Commissioner Paul Nyathi avo vanga vasingadavire mharembozha yavo.

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti vanhu vatatu vakafa nezuro nechirwere
cheCovid-19 uye vese ndeve mudunhu reMashonaland West. Rakatiwo pavanhu zana nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 192 vakabatwa nechirwere ichi neChishanu, makumi masere nevaviri kana kuti 82 ndeve mudunhu reMashonaland West.

Hurumende yakazivisawo masvondo mashoma apfuura kuti yainge yavhara
guta reKwekwe mudunhu reMidlands nekuda kwekuwanikwa muine hutachiwana hweku India hunokonzera Covid-19 uhwo uho hunonzi huno pararira nechimbichimbi uye kuuraya zvakanyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Nunurai Jena