Mutungamiri weNyika Oshorwa neVamwe neRwendo Rwavo kuNyika Shanu

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisiwa svondo rino kusimuka vakananga kunyika shanu dzeku Europe murwendo rwuri kushoropodzwa zvakanyanya nevakawanda.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kutanga vashanya kuRussia, vozoenda kuBelarus, Azerbaijan, neKhazakhstan, vachizogumisira nekushanyira Switzerland kuDavos uko vari kutarisirwa kunopinda musangano weWorld Economic Forum, uyo uri kutanga nemusi wa 22 Ndira uchipera musi wa25 Ndira.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti hapana chakashata nekushanyira nyika duku dzisina mukurumbira, sezvo nyika yose pasi pano iine chainowanawo chinodiwa nedzimwe nyika.

VaChirumhanzu vanoshora vanhu vari kuti rwendo rwaVaMnangagwa hwaruna zvarwunoburitsa, vachipa muenzaniso wenyika yeBotswana, iyo vanoti inyika yakanga isingazivikanwe zvakanyanya nevanhu, asi yakashanda zvikuru mukubatsira Zimbabwe kuwana rusunguko.

Vanotiwo rwendo rwemutungamiri wenyika zvwekuenda kuSwitzerland rwakakosha sezvo rwuchivapa mukana wekusangana nevamwe vatungamiri venyika dzinogona kudyidzana neZimbabwe, izvo zvinozoibatsira kubva mumadhaka mairi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu