America Yochema VaJohn McCain

  • Blessing Zulu

VaJohn McCain

Mhuri yeAmerica iri kuchema gamba, Senator John McCain avo vakashaya nemusi weMugovera mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

VaMcCain vainge vave nemakore makumi masere nerimwe ekuberekwa uye vakarwa muhondo yekuNorth Vietnam umo ndege yavo yakadonhedzwa vachibva vasungwa muna 1967 vakapedza makore mashanu vari mutirongo umo vaishungurudzwa zvakanyanya.

Asi pakapera hondo vakadzokera kuVietnam vakabatsira mukudyidzana kwenyika mbiri idzi.

Muna 2000, VaMcCain vakakundwa sarudzo dzemaPrimary dzekukwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika naVaGeorge Bush avo vakazonomirira bato iri musarudzo vachizokunda VaJohn Kerry vemaDemocrats.

Muna 2008 VaMcCain vakazomirira maRepublicans musarudzo vakazokundwa musarudzo naVaBarack Obama. Muna 2008, VaMcCain vakashora zvikuru nyaya yekunonotswa kubuditsa zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika muZimbabwe.

Vakashorawo zvikuru nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanopikisa muZimbabwe.

Vakati hutongo hwejekerere nekutevedzera mutemo ndizvo chete zvinounza hutongo hwejekerere muZimbabwe nemuAfrica mose. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Chipo Dendere vanoti America yarasikirwa negamba munyaya dzezvekurwira hutongo hwejekerere.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Chipo Dendere