Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 12, 2018

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 12, 2018

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoita musangano muGaza stadium kuChipinge uko kuzere nezviuru nezviuru zvevanhu.

Mutungamiri weZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, voita musangano nevaimbove vana chimbwido nana mujibha munguya yehondo yerusununguko.

Sangano reAmnesty International roparura gwaro rine hurongwa hunofanirwa kutevedzerwa nemapato ezvematongerwo enyika munyaya dzekodzero dzevanhu munguva yesarudzo.

Mapato ochema chema nezviri kuitwa nevari kukwikwidza vakazvimirira asi vachishandisa vatungamiri vemamwe mapato vachiti ndivo vavari kutsigira.

Vagari vekuNyazura mudunhu reManicaland vochema chema nekushungurudzwa kwavari kuitwa nevakuru vakuru vemauto avo vari kuvatyityidzira kuitira kuti vavhotere Zanu PF musarudzo.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm, tiri kutarisa vanhukadzi vari kupinda musarudzo kuitira kuti tinzwe mafambiro ari kuita zvinhu muhurongwa hwekutsvaga rutsigiro.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave