ZEC Yoendeswa kuMatare neSangano reMagweta reVeritas

  • Blessing Zulu

Justice Priscillah Chigumba

Sangano remagweta reVeritas rakaendesa sangano reZimbabwe Electoral Commission kudare repamusoro reHigh Court richiti ZEC haifanire kurambidza mamwe masangano akazvimirira kudzidzisa vanhu nezvesarudzo uye kuti vanoda kuita izvi vanofanira kutanga vaenda kuzec vopihwa zvekutaura zvacho uye vasingashandise mari yevekunze.

Asi gurukota rinoona nezvemutemo VaZiyambi Ziyambi vanoti hapana chakaipa pane mutemo uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hururo naVaZiyambi Ziyambi

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo nyanzvi munyaya dzebumbiro remutemo Doctor Alex Magaisa vanoti ZEC haifanire kuva iyo iri iyo chete inokwanisa kupa dzidziso.

Vanoti kudzidziswa kwevanhu kunobatsira kuti vanzwisise kodzero yavo yekuvhota.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Alex Magaisa