Sangano re Zimbabwe Nurses Association Rinoti Vana Mukoti Vari Kuramwa Mabasa Vachange Vachirapa Varwere Pachena Mangwana kuUnity Square
Your browser doesn’t support HTML5
Munyori mukuru musangano re Zimbabwe Nurses Association, va Enock Dongo, vanoti vana mukoti vari kuramwa mabasa vachange vachirapa varwere pachena mangwana ku Africa Unity Square uye nekuBulawayo. Va Dongo vanoti vana mukoti varikushungurudzikana nemafambiro ari kuita zvinhu munyika parizvino.