Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 25, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Kubvumbi 25, 2017

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoenderera mberi vachitaura pamusoro pezviri kuitika munyika.

Michina yekunyoresa kuvhota yechizvino zvino ye Biometric Voter Registration kits yoedzwa mashandiro ayo vana vechikoro vekuMurape kwaSeke vachivhota vachishandisa michina iyi.

Chirongwa cheZimbabwe International Trade Fair chinotanga muBulawayo, Senegal ichipinda muchirongwa ichi kekutanga kubva zvavambwa chirongwa ichi makore anodarika makumi matatu apfuura.

Banga rinokweretesa pasi rose reInternational Monetary Fund rinoti kushandiswa kwema bond notes muZimbabwe hakugadzirise dambudziko remari muZimbabwe.

Muchirongwa chevechidiki che The Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki mugadziriro yekunyoresa kuvhota kuitira kuti vazovhota gore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.