Vamwe vana veZimbabwe vari kugara kuBotswana vasina magwaro anovabvumidza kugara munyika iyi, vanonzi vakatarisana nedambudziko rekudzoserwa kumusha izvo zvinonzi zvave kupa kuti vamwe vatyore mutemo vachigadzira vega zvitupa zvakafanana nezvinopiwa nenyika iyi zviri pamutemo.
Vanhu ava vanonzi vave kubatana nezvizvarwa zvemunyika iyi kugadzirawo zvitupa zvemuBotswana, kana kutenga kubva kune vamwe vanozvigadzira zviri kunze kwemutemo.
Asi danho iri rinonzi raita kuti vamwe vasungwe vachizowanikwa vokandwa mutirongo, senzira yekuvaranga.
Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muGaborone kuBotswana kwakare, VaGift Mutombeni, vanoti kuoma kwezvinhu kumusha ndiyo honzeri yatuma vana veZimbabwe kuedza zvose zvinoita kuti vakwanise kurarama.
VaMutombeni, avo vanoti havo ivo vane magwaro akakwana, vanoti vane ruzivo nezviri kuitika uye vamwe vevanhu vavanoshanda navo vanotove nezvitupa zvakadai.
“Tingada kukurudzira vanhu kuti vasaite mapepa echitsotsi, asi kuoma kwezvinhu, sometimes anomanikidza vanhu kuti vapedzesere vatsvaga mamwe mararamiro,” vanodaro VaMutombeni.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaGift Mutombeni
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kupotera munyika dzakaganhurana nenyika nenyaya yehupfumi uho hwaenda kumawere.