Mhuri Yotenda Kuti Chiedza Brown Akazvisungirira

  • Jonga Kandemiiri

chiwoniso

Mhuri yaChiedza Brown, mwanasikana wevaimbi vakashaya, Andy Brown naChiwoniso Maraire, inoti iri kurwadziwa zvikuru nekushaya kwake, uye ichiri kutsvaga shumo yazvo zvose zvakatora nzvimbo zvakazomusvitsa pakuti atore hupenyu hwake.

Achitaura akamirira mhuri, Sandra Tatenda Mashiringo, anove hanzvadzi ya Andy Brown, anoti ichokwadi mashoko ari kubuda ekuti Chiedza akazvisungirira.

Sandra, uyo anovewo muimbi achizivikanwa nezita rekuti “Queen Mashie”, anoti mhuri yawirirana kuti mutumbi waChiedza, uyo akashaikira kuTexas muAmerica, upiswe dota rake rozoendeswa kuZimbabwe ronochengetedzwa pamwechete nevabereki vake.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Sandra Mashiringo