Kwezuva reChipiri neChina mapurisa anodzivirira mhirizhonga -kana kuti anti-riot police- vainge vakazara mumaguta anioti Gweru mudunhu reMidlands uye kuMasvingo.
MuMasvingo vakarwa hondo yerusununguko vanonzi vari kuda kuti gurukota redunhu iri VaKudakwashe Bhasikiti vasiye basa. Izvi zvapa kuti mapurisa anodzivirira mhirizhonga agare akakomberedza hofisi yavo paBenjamin Burombo Government Complex mumaMasvingo.
MuGweru mapurisa anenge akapakata tsvimbo nezvigaba zvehutsi hunokachidza mamwewo aine imbwa, uye anenge ari muzvikwata zvikwata munzvimbo dzakasiyana-siyana muguta.
Kubva neChitatu mazhinji emapurisa aya ainge akamira pedyo nehofisi yesangano revakarwa hondo mudunhu reMidlands, reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, iri mumugwagwa weLeopold Takawira, pedyo nepanokwirirwa makombi anoenda kumusha unogara veruzhinji wemkoba.
Vagari vataura neStudio 7 vati kunyange hazvo zvakanaka kuti mapurisa aite basa rawo rekuchengetedza runyararo, kuvepo kwemapurisa anodzivirira mhirizhonga akawanda kudaro kunotyisidzira vanhu, uye kunogona kudenha mhirizhonga yacho inenge ichida kudzivirirwa.
Mumwe mugari VaTimothy Mpofu vati chinhu chinotyisa kuti muguta muve nemapurisa anodzivirira mhirizhonga akawanda kudaro kwemazuva maviri veruzhinji vasingaziviswe kuti chii chiri kuitika.
Mumwewo mugari uyo angoda kuzvidoma nezita rekuti tinaye ati kuvepo kwemapurisa anodzivirira mhirizhonga akawanda kudaro kunoita kuti vanhu vafunge kuti nyika yave pedyo nehondo huru.
Vamwewo vataura ne Studio 7 vati mapurisa anodzivirira mhirizhonga aya akanzi agare akagadzirira kuratidzira kwainzi kuri kuda kuitwa nevamwe varwi vehondo yerusununguko vakabatana nevamwe vatsigiri vebato reZanu-PF, vachiratidza kusafara kwavo panyaya yekudzingwa kwakaitwa sachigaro webato iri mudunhu remidlands vajason machaya pachinzvimbo chavo.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa kana kuna sachigaro wevarwi vehondo yerusununguko mudunhu reMidlands vaTerry shumba . Asi mutauriri weZanu-PF mudunhu reMidlands VaCornelius Mupereri varamba kuti pane vatsigiri vebato ravo vari kuda kuratidzira.
Mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro neZimbabwe Open University VaDidymus Dewa vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega vanoti vanobvumirana nemaonero ekuti makakatanwa ari muzanu pf anogona kukonzera mhirizhonga munyika.
VaDewa vanotiwo zvakakosha kuti mapurisa pamwe nemauto agare akagadzirira kudzivirira mhirizhonga asi vanoti zvakakosha kuti mapurisa nevechiuto vaite izvi vasingaratidze kunge vari kuda kutyisidzira veruzhinji.
Mutauriri weboka revechidiki mubato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai VaBrian Dube vati vanobvumiranawo nemaonero ekuti makakatanwa ari muzanu pf anogona kukonzera mhirizhonga munyika.
Vati bato ravo harifari nenyaya yekuti mapurisa anofanirwa kuchengetedza runyararo rwevanhu vose munyika awonekwe achiita kunge vave kushandira bato reZanu-PF.
Mune imwewo nyaya chikamu chemadzimai chebato reZanu-PF mudunhu reMidlands neChitatu chakasarudza madzimai mashanu achamirira dunhu iri muboka reCentral Committee.
Vose vashanu vakasarudzwa ava vaimbove muCentral Committee munguva yapfuura uye vanosanganisira amai Auxillia Mnangagwa vakamirira Kwekwe namuzvare tsitsi muzenda vakamirira Gweru.
Vanoziva nezviri kuitika vanoti kunyange hazvo sarudzo idzi dzkaitwa pasina mhirizhonga, mapurisa anodzivirira mhirizhonga aive paZanu-PF Convention and Conference Centre iyo iri kunze kweguta reGweru.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Taurai Shava