ZimPlus: Nhau Dze Studio 7-Chishanu,Gunyana, 27, 2013
Your browser doesn’t support HTML5
Zimbabwe iyo iri kunetsekana zvikuru nenyaya yekugadzirisa hupfumi hwayo inoti yave kuzoumba homwe yemari ichashandiswa mumabasa ebudiriro ichishandisa zviwanikwa zvayo kana kuti Sovereign Wealth Fund. Asi patotanga kukandirwanwa makobvu nematete pakati peZanu-PF nebato rinopikisa reMDC-T kuti iyi ipfungwa yaani.