ZimPlus: Nhau Dze Studio 7-Chitatu,Gunyana, 25, 2013

Your browser doesn’t support HTML5

Vamiriri vemasangano evashandi vehurumende vasvitsa gwaro retarisiro yavo munyaya dzemihoro kuhofisi yegurukota idzwa rinoona nezvevashandi VaNicholas Goche. Izvi zvinotevera musangano wakaitwa nevamiriri vevashandi ava neChipiri muHarare wekuti vabude nezvavanoda kuti hurumende itsva yavepo iyi ivaitire munyaya dzemihoro pamwe nemashandiro avo.