Mapato Owirirana Kuwedzerwa kweNguva yeKunyoreswa kweVavhoti-6.34

Your browser doesn’t support HTML5

Mapato ezvematongerwo enyika anoti anoda kuti nzvimbo dziri kunyoreserwa vanhu sevavhoti dziwedzerwe uye kuti chirongwa ichi chiwedzerwe nguva nepamusana pekusafamba zvakanaka kwachiri kuita pari zvino.Komisheni inowona nezvekufambiswa kwesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, yaudzwa neChishanu zvichemo izvi pamusangano wayaita nemapato ezvematongerwo enyika.