Dare reParamende Rinopasisa Bhiri reBumbiro reMitemo

Your browser doesn’t support HTML5

Paita kufara kukuru muparamende neChina apo dare iri rapasisa bhiri rebumbiro idzva renyika reConstitution of Zimbabwe Ammendement Number 20 pasina kana nhengo imwe zvayo yapikisa bhiri. Bhiri iri rapasa mushure mekushandurwa zvishomanana uye zvichitevera kuverengwa kechitatu nhengo dzedare iri dzabva dzavhota sezvinodiwa nemutemo. Pasi pemutemo wenyika bhiri rebumbiro rinoda kuti zvikamu zviviri kubva muzvitatu kana kuti two thirds dzenhengo dzese dzedare iri dzitsigire bhiri iri risati rapasa.