VaMugabe Vanovhura Paramende Vachishoropodza Mhirizhonga

  • Thomas Chiripasi
    Blessing Zulu

Zimbabwe's President Robert Mugabe (C) leaves after opening the 4th Session of the 7th Parliament in Harare September 6, 2011.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakurudzira nhengo dzeparamende pamwe nevatungamiri vezvematongerwo kuti vasakurudzire mhirizhonga kuitira kuti munyika muve nekubatana.

Vatiwo hurumende iri pakati pekuvandudza mitemo yakawanda ichaita kuti hupfumi hwenyika hubudirire.

VaMugabe vataura mashoko aya pavanga vachivhura zviri pamutemo chikamu chechina cheparamende yechinomwe.

Apo Va Mugabe vanga vachitaura nenyaya dzerunyararo muparamende, vanofungidzirwa kuti inhengo dze Zanu PF vanga vachirova mukokeri wekanzuru yeHarare, VaVictor Chifodya, pamwe nemutori wenhau dzemifananidzo, Henry Chimbiri, panze pedare reparamende panga pazere vanhu vachinzwa zvanga zvichitaurwa muparamende. Va Chifodya vaendeswa kuchipatara zvichitevera kurohwa kwavaitwa uku.

Va Mugabe vati sarudzo dzichaitwa kana kunyorwa kwebumbiro idzva pamwe chete nereferendamu zvapedzwa. Vati mitemo ine chekuita nesarudzo ichazeyewa muchikamu chechina cheparamende yechinomwe.

Vatiwo hurumende iri pakati pekuvandudza mutemo wezvekurima zvichaita kuti varimi vatsva vakwanise kushandisa ma 99 year lease avakapihwa nehurumende kuti vakwanise kutora zvikwereti sezvo mabhanga mazhinji munyika asiri kuda kupa varimi vatsva
zvikwereti.

Va Mugabe vatiwo mutemo unobata nyaya dzemangoda ekwa Marange uchazeyewa zvakare muparamende.

Mutungamiri wenyika ati pane mitemo yakawanda ichawunzwa kudare yakafanana neinobata mararamiro evakaremara, kupambwa nekutakurwa kwevanhu zvisiri pamutemo kana kuti human trafficking.

Mamwe mabhiri akatarisirwa kuunzwa mudare anosanganira remitero inobhadharwa nevashandi, pamwe nerichange richiona nezvekuvandudzwa kwebhanga guru renyika.

Vatiwo hurumende ichashanda zvakasimba kuitira kuti ndege dze Air Zimbabwe dzibhururuke dzose nechimbichimbi.

Panyaya yekudzimwa dzimwa kuri kuitwa magetsi, Va Mugabe vati kambani yemagetsi ye Zesa ichatanga kushandisa marambi asingadye moto pamwe nekuisa mamita anotanga abhadharwa mari vanhu vasati vatanga kushandisa magetsi. Vati izvi zvichatanga mwedzi unouya.

Paramende iri kutarisirazve kutanga kuzeya zvekare nyaya yekuvandudzwa kwemauto. MDC-T inoti dare reparamende rinofanira kuti ritange nhaurirano yekuvandudza mashandiro emauto, mapurisa nevasori.

Nhengo yeparamende yeMDC-T inomirira Kwekwe Mbizo, VaSettlement Chikwinya, vanoti dare rinofanirwa kutora matanho pakuvandudzwa kwemashandiro emauto, mapurisa nevasori.

Asi vanokokera Zanu-PF mudare reparamende, VaJoram Gumbo, vanoti zviri kuda kuitwa neMDC kuda kukanganisa kugarisana kwevanhu munyika.