Pastor Prince Mafukidze Voshanya muAmerica

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Muimbi wemumhanzi yechitendero ane mukurumbira munyika, Prince Mwana waMambo Mafukidze, ari muAmerica umo achange achiimba nziyo dzake kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kugara mu America.

Prince, uyo akasvika neChina muMaryland, ari kuridza mimhanzi yake yechitendero neMugovera manheru muRockville.

Vanhu vakawanda vari kutarisirwa kuenda kunonzwa Pastor Prince achiimba nziyo dzake dzinobata moyo vanhu vakawanda.

Pastor Prince muparidzi mukuru mukereke yePraise Ministries International.

Mumwe weavo vari kuronga gungano remangwana, Muzvare Shingie Mangwiro, vari kukuridzira vagari vemunharaunda dzakasiyana siyana kuti vauye kuzokomborerwa nenziyo dzamwari dzichange dzichiimbwa naPastor Prince.

Muzvare Mangwiro vanoti pachange paine zvekudya zvinobva kuZimbabwe zvichange zvichitengeswa panguva apo mimhanzi ichange ichiridzwa kuitira kuti vanhu vawane mukana wekurangarira kwavanobva.