Accessibility links

Breaking News

Kutongwa kwaVaKurauone kuMasvingo Kotanga Muna Gunyana


Masvingo Court 2
Masvingo Court 2

Kutongwa kwemhosva yaVaGodfrey Kurauone veMDC Alliance,
pamwe na VaEphraim Mtombeni, yekunyomba mutungamiriri wenyika,
VaEmmerson Mnangagwa, kwatadza kutanga sezvanga zvakatarisirwa.

Izvi zvakonzerwa nevachuchusi vakumbira mutongi wedare kuti nyaya iyi imbomira kwemwedzi nekuti vachuchisi havasati vapihwa mvumo
nehofisi yemukuru wevachuchisi kuitira kuti nyaya iyi itange kutongwa.

Mutongi wedare, Muzvare Patience Madondo, vabvuma chikumbiro
chevachuchusi vachiti vanoda nguva yakakwana yekuti vapuhwe mvumo
nehofisi yavo nekudaro kutongwa kwenyaya iyi kuchatanga musi wa24 Gunyana.

Gweta raVa Kurauone naVa Mtombeni, VaMartin Mureri, veZimbabwe
Lawyers for Human Rights, vati vambozama kupikisa chikumbiro ichi asi
zvakona n’anga murapwi achida.

VaMureri vati vachataura naVaKurauone avo vari muchitokisi kuti vatange patsva kuita chimwe chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kumba.

Gweta, VaCollen Maboke vati dare rinofanira kupa musungwa kodero dzerusununguko nekukurumidza kutonga nyaya yake pasina kuramba richinonoka zvenhando.

VaKurauone vari kupomerwa mhosva yekutuka VaMnangagwa apo
vakaudza vanhu vainge vakamirira mabhazi eZUPCO, vachibva kubasa
mudhorobha kuti vari kutambura nekuti VaMnangagwa vawondonga nyika.

Vatsigiri veMDC Alliance pamwe nevarwiri vekodzero dzavhu vadzingwa mudare nemutongi wedare, uyo asina kupa chikonzero chakuita izvi.

Mutauriri weMDC Alliance muMasvingo, VaDereck Charamba, vati ivo havasi kufara nezvaitika mudare nhasi.

MuchuchIsi wedare, VaMalvin Mapako, vaudza dare kuti VaKurauone vari
kupomwerwa dzimwe mhosva mbiri yekuvhara mugwagwa vachiratidzira
musi wa 31 Chikunguru uye kunyomba mutugamiri wenyika apo vakaimba
parufu.

VaKurauone vanotrisirwa mudare padzimwe mhosva idzi musi wa 2 Gunyana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG