Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muHupoteri muBotswana Zvotaura neStudio 7


Dukwi Refugees
Dukwi Refugees

Musi wa20 Chikumi gore roga roga, pasi rose rinobatana mukucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugee Day.

Dingindira regore rino nderekukurudzira vanhu kuti vapindewo mutsoka dzevapoteri. Sangano reUnited Nations High Commission for Refugees rinoti kusvika muna 2017, vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matanhatu nemashanu kana kuti US$65, 6 million vari muhupoteri.

Kunyangwe hazvo Zimbabwe ichichengeta vamwe vapoteri kutongogara refugee camp, kunewo zvizvarwa zvenyika zviri muhupoteri munyika dzakaita seSouth Africa, Botswana, America, Britain nedzimwe.

Vapoteri ava vakatiza mhirizhonga nemvonga mupopoto munyika nechinangqwa chekuda kuvamba hupenyu hutsva pamuzinda wevapoteri weDukwi Refugee Camp, iyo iri kuchamembe kwakadziva kumabvazuva kweBotswana.

Asi kunze kwerunyararo nekugamuchirwa nenyika yeBotswana, vapoteri vakatiza munyika nedzimwe dzakaita seDemocractic Republic of Congo, Somalia, Rwanda nedzimwe vanoti vari kudya nhoko dzezvironda.

Mwedzi wega wega, vapoteri ava vanopihwa zvekudya zvemari ingakwana madhora makumi maviri ekuAmerica, izvo zvinonzi neruzhinji rwevapoteri hazvikwanire.

Ruzhinji rwevapoteri vanobva kuZimbabwe rwakatiza munyika mugore ra2008 mushure mekushungurudzwa zvakaipisisa nevaifungidzirwa kuti vatsigiri vebato reZANU PF vachishanda nemauto apo VaRobert Mugabe vaive mutungamiri wenyika.

Mhirizhonga yakawedzera munyika panguva iyi sezvo painge poitwa sarudzo dzechipiri dzemutungamiri wenyika sezvo pasina ainge akunda zvinemutsindo pakati paVaMugabe namuchakabvu Morgan Tsvangirai veMDC.

Asi vapoteri vakawanda vataura neStudio7 vanoti nyika yeBotswana iri kukundikana kuchengetedza kodzero dzevapoteri.

Sachigaro vekomiti inoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevapoteri pakamba yeDukwi, VaBhekimpilo Weza vaudza Studio7 kuti vapoteri vari parumananzombe sezvo vachigara vakavharirwa mukamba semombe dziri mupadhoki.

VaNigel Ndabeni, avo vane makore makumi matatu nemashanu, vanoti vakatambisa makore makumi nemashanu vagere pakamba yeDukwi vachifunga kuti zvinhu zvichanaka.

Kunyangwe hazvo kumba kuri kumba munguva yemarwadzo nemafaro, mumwe wevapoteri, VaSimon Vheremu vaudza Studio7 kuti kudzokera kumusha kunotyisa nokuti vanhu vaiva pfuwisa ndivo vachiri panyanga.

Asi chimwewo chizvarwa cheZimbabwe icho chakaita mhanza chikawana mukana vekuti chiite zvidzidzo zvekugadzira magetsi paJwaneng Technical College, VaMaidei Musonza vanoti vanopa kutenda nyika yeBotswana.

Nyanzwi mune zvemutemo nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu uye vari gweta rakazvimirira, VaSamson Jabavu vanoti nhamo yevapoteri vanobva kuZimbabwe ndeyemwana atsva kudumbu mai vatsva kumusana.

Sangano rinoona nezve kuchengetedzwa kwevapoteri pasi rose reUnited Nations High Commissioner for Refugees riri kukurudzira vapoteri ava kuti vadzokere kumusha.

Mumwedzi waKurume gore rino, hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yakavimbisa kuti ichashanda nehurumende yaVaMokgweetsi Masisi veBotswana mukugadzira nhaurwa dzevapoteri.

Asi vapoteri vakawanda vanoti kuZimbabwe kwakaberekera ingwe uye kuda kudzokera kuzvikanda mukanwa mamupere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG