Accessibility links

Breaking News

Vana veZimbabwe Voratidzira Kuna VaZuma muLondon


Va Zuma, avo vari kushanya ku London, vanga vaenda kumuzinda wenyika yavo mu Trafalgar Square mu London apo zvizvarwa zve Zimbabwe zvaenda kunoratidzira.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri mu London zvaratidzira neChishanu pamuzinda weSouth Africa muLondon zvichishoropodza mutungamiriri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vari kurudzira Britain kuti ibvise zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo ne European Union.

Va Zuma, avo vari kushanya kuLondon, vaenda kumuzinda wenyika yavo muTrafalgar Square mu London, uko vanotambirwa nekuratidzira kwanga kuchiitwa nezvizvarwa zveZimbabwe.

Zvizvarwa izvi zvaisa gwaro kuna VaZuma zvichivakurudzira kuti saivo mubata makiyi weSADC panhaurirano dziri pakati pemapato ezvematongerwe enyika muZimbabwe, vasiye nyaya yezvirango. Gwaro iri rinokurudzira VaZuma kuti vaise simba ravo mapato eZanu-PF ne MDC kuti agadzirire nerubatsiro rweSADC sarudzo itsva dzakachena dzinounza hutongi hwejekerere kuitira kuti nyika ifambire mberi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mu Zimbabwe Vigil. iyo yakaronga kuratidzira uku, Va Dumi Tutani, vanoti SADC naVa Zuma vanofanira kubatsira kuti Zimbabwe iite sarudzo dzakachena sezvo VaMugabe nebato ravo vakatotaura kare kuti havasi kuzobvuma kugadzirisa zvimwe zvinhu zviri muchibvumirano che Global Political Agreement kusvika zvirango zvabviswa.

Asi mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, vanoti hurumende yavo haisi kuzobvisa zvirango kudzamara VaMugabe varatidza kuti vari kutevedzera chibvumirano chavakanyorerana pasi nevamwe vavo.

XS
SM
MD
LG