Accessibility links

Breaking News

Motor Action Inokunda Caps United 4-2


Chikwata cheMotor Action chakunda chikwata cheCaps United 4-2 pamutambo we Premier Soccer League, kana kuti PSL, uyo watambirwa kuNational Sports Stadium neChitatu masikati.

Mune mumwe mutambo, Dynamos yakunda Douglas Warriors 4-0 kuRufaro.

Izvi zvinoreva kuti Motor Action ndiyo yoramba iri pamusoro kunyange hazvo iine 63 points dzine Dynamos.

Asi chikwata cheDynamos chiri mumashure nezvibodzwa zvitatu. Kwasara mutambo mumwe chete kuti makwikwi ePSL apere.

Motor Action ichasangana neLengthens, ukuwo Dynamos ichisangana ne Black Mambas mumitambo yekupedzisira.

Kunyange hazvo zvikwata zviviri izvi zvichine mukana wekutora mukombe wePSL, zvinhu zviri kuratidza kuomera Dynamos iyo inofanirwa kukunda Black Mambas nezvibodzwa zvina, Motor Action yokundwa neLengthens.

Mumwe muongorori wenhau dzemitambo, VaJoseph Musariri, vanoti zviri kuitika munhabvu pamakwikwi emwaka uno zviri kunakidza kunyange hazvo makwikwi ePSL ange isina rutsigiro.

XS
SM
MD
LG