Kunyange vamwe vemhuri yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kuti hurumende inofanirwa kutungamirira kuvigwa kwavo, dzimwe nhengo dzemhuri dzinoti dai vavigwa pedyo neguva raamai vavo kumusha kwavo kwaZvimba.
Mutauriri wemadzimambo edzinza raVaMugabe, Mambo Katizagombo, avo vanonzi Gibson Jenami, vati hapachisina makakatanwa pamusoro pekuvigwa kwaVaMugabe sezvo hurumende, ichitungamirirwa naVaEmmerson Mnangagwa, yave pamberi pezvose zvichaitwa.
Mambo Katizagombo vati VaMnangagwa ndivo vachatungamirira zvose sezvo VaMnangagwa naVaMugabe vakapedza nguva yakareba munyaya dzezvematongerwo enyika vari pamwe chete.
Asi hurongwa hwevakuru uhwu hauna kufadza vamwe vemhuri vanosanganisira Tete vaVaMugabe, Ambuya Josphine Jarija, vati havasi kufara nehurongwa uhu
Ambuya Jarija vati kunyange vakavamanikidza kuti VaMugabe vavigwe kumarinda emagamba, vachaita chivanhu chavo kuti vavavige pedyo naamai vavo.
Imwe hama yaVaMugabe, Amai Vivian Matibiri, vatiwo VaMugabe vanofanirwa kuvigwa kumusha kwavo, kwete kuHeroes Acre muHarare.
Asi imwe hama, Amai Getrude Musarurwa, vati zvakakosha kuti VaMugabe vavigwe kumarinda emagamba sezvo vakaviga mamwe magamba akawanda ikoko uye kuvigwa kumusha kuvaderedzera pasi.
Mudzimai waVaMugabe wekutanga, Amai Sally Mugabe, vakavigwawo kuHeroes Acre.
Vanhu vari kuuya kuzobata maoko kumba kwaVaMugabe kwaKutama vachiri vashoma zvikuru zvichienzaniswa nechimiro chavo munyika.
Vanhu vasingasvike zana vakaungana kwaKutama vazhinji vavo vari kuratidza kuti vari kuvinga zvokudya izvo zvakatanga kubikwa nezuro nehurumende, uye vachinzwa mumhanzi.
Matende matatu akadzikwa pamba paVaMugabe sezvo dzimba dzaVaMugabe dzisiri kushandiswa.
Vanhu vari kubata maoko ekushaya kwa VaMugabe mumba yekubikira yamushakabvu Ambuya Bona Mugabe, avo vakashaya muna 1992.
Mutumbi waVaMugabe unonzi uchasvika munyika mangwana asi zuva rekuvigwa harisati rave kuzivikanwa.
VaMugabe vakafa svondo rakapera neChishanu muchipatara cheGleneagles kuSingapore mushure mekurwara kwenguva yakareba.
VaMugabe vakaenda kuSingapore muna Kubvumbi.
Facebook Forum