Accessibility links

Breaking News

Zvikwereti Zvoremera Air Zimbabwe Kuti Imbururuke


Kambani yeAir Zimbabwe inonzi yambomisa nzendo dzayo dzekuSouth Africa neLondon mushure mekunge vemakambani anotengesa mafuta varamba kutengesera kambani iyi mafuta vachiti iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo.

Zvinonzi makambani anotengesa mafuta endege ava kuda kuti Air Zimbabwe itenge mafuta ichibhadhra pakarepo, kwete kutenga nechikwereti, sezvo iine chikwereti chinodarika miriyoni nechidimbu chemadhora kumakambani emafuta.

NeChitatu, Air Zimbabwe yakazomanikidzwa kuisa vanhu vaida kuenda kuLondon nekuSouth Africa mune dzimwe ndege mushure mekunge yatadza kuwana mafuta.

Vane ruzivo nezviri kuitika muAir Zimbabwe vaudza Studio7 kuti ndege dzinoenda kuBulawayo neVictoria Falls dzatakura vanhu, asi havazivi kuti izvi zvicharamba zvichiitika kwenguva yakadii.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka mukambani iyi, sezvo ichinzi ine zvikwereti zvinodarika zana remamiriyoni remadhora.

Mwedzi wapera kambani yeInternational Air Travel Association, IATA, yakamira kudyidzana neAir Zimbabwe nekuda kwechikwereti chemari inoita $280 000 chine kambani iyi.

Vane ruzivo nezvenyaya iyi vaudza Studio 7 kuti Air Zimbabwe yakabhadhara chikwereti ichi asi AITA inoda imwe mari inoita $1.7 million sechibatiso kambani iyi isati yatanga zvakare kudyidzana neAir Zimbabwe.

Air Zimbabwe imwe yemakambani gumi ari pasi pehurumende, kusanganisirawo National Railways of Zimbabwe, anonzi anofanirwa kuiswa mumaoko emakambani akazvimirira kuti akwanise kurarama.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vati hurumende inofanirwa kuisa kambani yeAir Zimbabwe mumaoko emakambani akazvimirira sezvakaitwa Kenya Airways yekuKenya.

XS
SM
MD
LG