Accessibility links

Breaking News

Mapato Maviri eMDC Okorokotedza Kusarudzwa kwaAmai Dlamini-Zuma


Mapato maviri eMDC ari muhuremende yemubatanidzwa anoti ari kutumira mashoko ekukorokotedza Amai Nkosazana Dlamini Zuma, avo vakasarudzwa neSvondo kuva sachigaro mutsva wesangano reAfrican Union Commission.

Mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo rinofara zvikuru nekusarudzwa kwa Amai Dlamini-Zuma.

Mashoko aVaMwonzora atsinhirwawo nemutauriri weMDC inotungamirwa naVa Welshman Ncube, VaNhlanhla Dube, avo vanoti chinhu chakakosha kuti munhukadzi ndiye ave sachigaro weAfrican Union Commission.

Amai Dlamini Zuma, avo vanova gurukota rinoona nezvemukati menyika kuSouth Africa, vakasarudzwa kumusangano weAfrican Union muAddis Ababa kuEthiopia kuva mudzimai wekutanga kutungamira sanganoi iri mushure mekukunda vanga vari sachigaro vesangnao iri, VaJean Ping, chizvarwa chekuGabon.

Sarudzo iyi yakaitwa katatu sezvo mitemo ye African Union ichisungira kuti anosarudzwa kuva sachigaro, anofanirwa kunge awana mavhoto anosvika zvikamu makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana.

Sarudzo mbiri dzekutanga dzakaona Amai Dlamini Zuma vachikunda VaPing, asi vasingakwanise kuwana mavhoti anodiwa.

VaPing vakazogeza maoko ndokusiya Amai Dlamini Zuma vachipinda musarudzo vasina anovakwikwidza, izvo zvakazoita kuti chizvarwa cheku South Africa ichi, chivhoterwe.

VaPing ndivo vanga vari sachigaro kubva muna 2008. Kusarudzwa kwevaimbove mudzimai wemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, kunoreva kuti vanenge vosiya basa ravo segurukota rezvemukati menyika.

XS
SM
MD
LG