Accessibility links

Breaking News

Zvikwata ZveDynamos NeMotor Action Zvoita Mangenge Pamusoro PePremier League Log


Makwikwi emukombe we Premier Soccer League atsvuka ropa sezvo zvikwata zveDynamos ne Motor action zvave mangange ne 60 points.

Zvikwata zviviri izvi zvasarirwa nemitambo miviri.

Zvikwata zve FC Victoria ne Bantu Rovers zvatarisana nemukanwa mamupere zvekuti zvingango dzikiswa kuDivision One sezvo zviri pasi pe log ne 17 points zvese zviri zviviri.

Muongorori wenhabvu, vaOmega Sibanda, vanoti makwikwi egore rino arikunakidza uye vatsigiri hanyatso zive kuti achatora mukombe ndiyani.

Zvikwata zviviri zvichakunda mumakwikwi aya zvicha mirira nyika kumakwikwi e Confederation Of African Football Champions League izvo zvirikuita kuti zvikwata zvitatsurane kusvika pachapera mwaka.

XS
SM
MD
LG