Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvovhurwa Zvinhu Zvisina Kumira Zvakanaka Muzvikoro


Zvikoro zvemu Zimbabwe zviri kuvhurwa neChipiri zvinhu zvisina kumira zvakanaka muzvikoro. Vabereki vakawanda vanoti havana mari dzedzidzo idzo vanoti dzakawedzerwa. Ukuwo vamwe varairidzi vanoti havasi kuenda kunodzidzisa kudzamara hurumende yawedzera mari dzavo.

Sangano re Progressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti nhengo dzaro hadzisi kuenda kunodzidzisa panovhurwa zvikoro neChipiri. Ukuwo rimwe remasangano evadzidzisi, re Zimbabwe Teachers Association, ZIMTA, rinoti nhengo dzaro dzichaenda kunodzidzisa, uye richatora matanho mushure mekunge raona zvinenge zvabuda pamusangano wariri kuita nehurumende nemusi weChitatu.

Vabereki vataura neStudio 7 kuChitungwiza, Bulawayo, Matabeleland South, Midlands nedzimwe nzvimbo, vanoti zvinhu zvakavaomera zvekuti vazhinji vavo vava kutobvisa vana vavo muzvikoro zvekudzidza vachigara pachikoro, boarding, zvichitevera kukwidzwa kwakaitwa mari dzedzidzo nezvikamu makumi mana kubva muzana.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvedzidzo panyaya iyi.

Mumwe murume wekuChitungwiza anoshanda semupurisa wekanzuru, uyo ati anonzi Mathalo, anoti akatadza kuwana mari inosvika makumi matanhatu emadhora yekuti abhadharirire mwana wake mari yechikoro. Anotiwo iye nevamwe vashandi vekanzuru muChitungwiza vava nemwedzi mitatu vasati vabhadharwa.

Mumwe mubereki, Va James Timire, avo vanoshanda vari ku Zvishavane, vanotiwo zvinhu zviri kuvaomerawo kuti vaendese vana vavo vaviri kuchikoro kunyange hazvo vachinzi munhu ane basa rakanaka.

XS
SM
MD
LG