Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvinodzidzisa Kutyaira Zvotatarika Kuvhura neKuda kweZviri Kudiwa neHurumende Kudzivirira Covid-19


Makambani akawanda anoita zvekudzidzisa nekubatsira kutora marezinesi ekutyaira motokari anoti hasati ave kushanda sezvo zvinhu zvavanofanirwa kuita kuti vasaparadzire chirwere checovid-19 zvakawanda.

Vemakambani ava vanoti vakanyorerwa nebazi rezvekufambisa kwezvinhu mumigwagwa kuti vanofanirwa kufirita motokari dzavo dzekudzidzira kutora marezinesi kaviri pazuva, kufirita dzimba dzekudzisa kutora chitambi chekutyaira kana kuti provisional license pose panenge pabuda rimwe boka uye kupfeka magirovhosi nguva dzose.

Amai Maudi Kashiri vekambani yeEasy Pass vanoti havasati vatenga zvose zvinodikanwa kuti vatange kushanda vachiti zvakawanda kudarika zvinodikanwa kumakambani anotakura veruzhinji.

Vekambani yeRoyal Driving school VaGodwin Hove vanoti kubva pavakanzi vavhure masvondo maviri apera hapana vanhu vebazi rezvemigwagwa nekutakurwa kwezvinhu vati vauya kuzoongorora kuti vakazadzisa zvinodikanwa here.

Asi mukuru weSafety Council of Zimbabwe VaEnerst Muchena vanoti vose vanodzidzisa kutyaira vanofanirwa kutevedzera mitemo yekuvhura makambani avo zviri pamutemo kuti vadzivirire kupararira kwechirwere cheCovid-19 munyika sezvo vachisangana nevanhu vakawanda, vamwe vanenge vachibva kunze kwenyika.

Kunyangwe huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kuti dererei zvishoma, pari kutyirwa kuti chirwere ichi chinogona kudzoka zvine hukasha zvakaitika kuBritain neAmerica pakatanga kuvhurwa mabhizimisi aimbenge avharwa.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG