Accessibility links

Breaking News

Zuva reKunamata raVaMnangagwa Rotambirwa Zvakasiyana muNyika


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neMuvhuro vakabatana nevamwe vedzisvondo vakasiyana-siyana vachinamatira kupera kwedenda reCOVID-19.

VaMnangwagwa vati zvakakosha kuti vanhu vanamatire nyika yavo nguva dzose vachiti izvi ndizvo zvavanogara vachiita mudare remakurukota. Vatiwo vanotenda Mwari kuti vanhu vafa nechirwere checovid19 vashoma zvikuru

Vanotiwo vanotenda Mwari sezvo pakava nenguva yekugadzirira kurwiswa kwechirwire ichi chisati chapinda nyika kubva zvachakatanga kuChina gore rapera. Vakanamatirawo kuti chirwere cheCOVID-19 chiwanirwe mushonga uye chisaramba chichitora hupenyu sezviri kuitika

Mumwe wevanamata pagungano iri vakamirira mubatanidzwa weZimbabwe Council of Churches, VaEphraim Ngadziore vakakumbira kuna Nyadenga kupora kwevari kurwara uye kubatana kwenyika.

Mumwe mugari wemuHarare VaEmmanuel Ribeiro vati zuva iri ranga rakavakoshera nekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvaungana zvichinamata.

Asi mukuru weZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancellimo Magaya avo vasina kuenda kugungano iri vati ranga risina kuvakoshera vachiti hutungamiriri hwenyika hunofanira kutanga hwagadzirisa hukama hwavo naMwari.

Izvi zvatsigirwawo nemutevedzeri wemutauriri weMDC, VaClifford Hlatshwayo avo vatiwo kunyangwe zveminamato zvakakosha, yanga iri tarisiro yavo kuti mutungamiriri wenyika agadzirise nyaya dzehuori kuitira kuti nyika pamwe nezvipatara zvivandudzwe kuitira kuti vanobatwa nechirwere ichi vawane kurapika.

Mibatanidzwa yemakereke yanga iri pagungano apa inosanganisira Zimbabwe Catholic Bishops Conference, Evangelical Fellowship of Zimbabwe, Zimbabwe Council of Churches pamwe neZimbabwe Indegenous Council of Churches.

Zvimwe zvitendero zvanga zviripo zvinosanganisira maMuslim, maHindu nevamwewo.

Vachitaurawo pamusangano uyu Bishop Nehemiah Mutendi vakatiwo vedzisvondo vangafara zvakanyanya kana mutungamiriri wenyika vakagadzira zuva ranhasi kuti rive richicherechedzwa gore negore sezuva rinoungana vatendi vachinamatira nyika nekutsanya vari pamwe chete.

Nyaya Ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG