Accessibility links

Breaking News

Zupco Inoderedza Mari Dzinobhadharwa neVafambi


ZUPCO FARES HARARE2
ZUPCO FARES HARARE2

Vanofamba nemabhazi anotakura veruzhinji vanoti vari kufara zvikuru nekudzikiswa kwemari dzekufambisa kwaitwa nekambani yeZupco .

Mari dzekufambisa idzi dzadzikiswa kutanga zuva ranhasi izvo zvatambirwa nemufaro nevafambi .

Amai Eunice Mudzidzi vekuDzivarasekwa vati vafara zvikuru mangwanani apo vange vachiuya kubasavakanzwa kuti mari yekufambisa yanga yadzikiswa kubva pamadhora makumi matanhatu kuenda kumadhora makumi mana.

Mumwe mufambi ada kuzivikanwa nekuti Baba Shalom Madubiko vatiwo zvinhu zvanga zvisingachabatani sezvo mari dzekufambiswa dzainge dzakwidzwa asi mihoro isina.

Mumwe mutyairi wekombi iri peZupco, VaMabhande Mutate, vatiwo vafara nedanho ratorwa rekudzikisa mari dzekufambisa sezvo vange voshaya vanhu vekutakura.

Asi mumwe mugari wekuEpworth, VaEphraim Masawi, vati hazvibatsiri kuti Zupco ideredze mari asi zvekufambisa zviri zvishoma. Vatiwo Zupco inofanirwa kuwedzera zvekufambisa kuti vafambi vasatambure.

Mukuru wekambani yeZupco, VaEveristo Madangwa, vaudza Studio7 kuti vadzikisa mari dzekufambisamushure mekuona kuomerwa kwevanhu.

Vati kambani yeZupco inodawo kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kuburikidza nekucheneswa kwemaoko evanhu vasati vapinda pamwe nekumanikidzwa kupfeka mamasiki vari parwendo.

VaMadangwa vatiwo Zupco iri mushishi kugadzirisa dambudziko rekushomeka kwezvekufambisa vachiti mabhazi avo aifamba pakati pemaguta achange oshandiswawo kutakura vanhu mumaguta.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG