Accessibility links

Breaking News

ZPP Inoti Mamwe Madzishe Omanikidza Vanhu Kuva Nhengo dzeZanu PF


Sangano reZimbabwe Peace Project kana kuti ZPP, rinoti pane madzishe maviri mudunhu reMasvingo North ari kuripisa vanhu vanenge varamba kuve pasi pemasabhuku akaiswa zvisiri pamutemo nebato reZanu PF.

Mugwaronhau raraburutsa, sangano iri rinoti Ishe Gurajena naIshe Zimuto vari kubhadharisa vagari vemuWard One faindi yembudzi mbiri kana madhora makumi manomwe mushure mekunge vagari ava varamba danho rakatorwa nevatungamiri veZanu PF mudunhu iri rekugadza masabhuku avanoda.

Madzishe aya ari kupomerwawo mhosva yekumanikidza vanhu kutenga makadhi eZanu PF. Hatina kukwanisa kubata madzishe aya kuti tinzwe divi ravo, asi takwanisa kubata sachigaro weZanu PF mudunhu reMasvingo, VaLovemore Matuke, avo vanoti nyaya iyi manyepo chete ekuda kusvibisa zita rebato ravo.

Zvichakadaro, sachigaro wevechidiki muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai kuWard 17 Chipinge East, VaSolomon Mazvokwadi, vanoti varohwa zvakaipisisa nemasoja ari kugara papurazi reGreen Valley, iro riri kurimwa neTanganda Tea Company.

Vamazvokwadi vanoti neChipiri vakanetsana neimwe nhengo yevechidi yeZanu PF inozivikanwa saBhejana, pamusoro penzvimbo yegukezera, asi vazoshamisika voona masoja ovatora mangwanani vachivapomera mhosva yekutuka vakuru.

Nyaya yaVaMazvokwadi inonzi yamhang’arwa kumapurisa kwakare kuChipinge. Asi hatina kukwanisa kubata mapurisa kuti tinzwe divi.

NeSvondo, masoja anonzi akapinda mumigwagwa kuMasvingo achifora uye kuudza veruzhinji kuti hapana mumwe mumwe munhu achatonga nyika ino kunze kwaVaMugabe. MDC inoti nyaya iyi inofanirwa kugadziriswa nehurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG