Accessibility links

Breaking News

Mamwe Makambani Otanga Kutora Matanho Anodzivirira Vashandi kuCovid-19


ZESA

Mamwe makambani ave kutora matanho ekudzivirira chirwere cheCoronavirus munzvimbo dzekushandira dzakasiyana.

Imwe kambani iri kutora matanho aya, iZimbabwe Electricity Supply Authourity, kana kuti Zesa, iyo yakazivisa muchinyorwa chakaiswa pamagedhe ekambani iyi kuti vanoshanya havachabvumirwa kupinda mukati kana vachida kuona vashandi vekambani iyi.

Munhu anenge auya kuzoonekwa ndiye anotoshevedzwa kuzoona muyenzi wake panze pegedhe uye kana ave kudzokera mukati anofanirwa kugeza maoko pagedhe apo pakaiswa mvura ine mushonga wekuuraya hutachiona.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri weZesa, VaFullard Gwasira, kuti tinzwe zvakawanda nezvehurongwa hwekambani yavo.

Asi mumwe mushandi weZESA anoona vanopinda nekubuda pamahofisi eMegawatt muChinhoyi, uyo asina kuda kuzivikanwa nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau, anoti mutemo uyu wakatanga neChina uye wakabva kumukuru wavo kuHarare vachiti ivo basa ravo kutevedzera zvinenge zvataurwa.

Kambani inoona nezvekufambiswa kwemashoko, yeTelOne, yazivisawo kuti ichaedza nepainogona napo kuti vanhu vafambise mashoko echirwere cheCoronavirus pasina kukanganisika kana kudonha kwemasaisai izvo zvinomisa kufambiswa kwemashoko pamadandemutande.

TelOne inoti vanoshanya kumakambani kwayo vachange vasingabvumirwe kungopinda pose pose vachiti vose vavanoita bhizinisi navo vanofanirwa kushandisa dandemutande kuita bhizinisi navo kwete kuenda kumahofisi avo.

Sachigaro veZimbabwe Federation of Miners, Muzvare Chiedza Chipangura, vanoti vari kutyira kupararira kwechirwere cheCoronavirus sezvo pasina ruzivo uye pane hutsvina pakucherwa kwezvicherwa nemakorokoza.

Muzvare Chiedza vanoti dzidziso mumabasa inofanirwa kuitwa nguva dzose.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kusangano reConfederation of Zimbabwe Industries kuti makambani ari kutora matanho api zvichitevera dambudziko reCoronavirus rabata pasi rose, kunyange hazvo paine mashoko ekuti kune mamwe makambani ari kuvhara nepoamusana pedambudziko iri.

Asi munyori mukuru weZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti zvinosuwisa kuti mamwe makambani ari kuvhara zviri kusiya vashandi nemhuri dzevashandi dzichitambudzika.

Dzimwe nyika dziri kuvhiringwa neCoronavirus dziri kuudza vashandi vadzo kuti vashandire vari kudzimba dzavo pachityirwa kupararira kwechirwere ichi, icho chauraya vanhu vanodarika zviuru gumi, uye kubata vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG