Accessibility links

Breaking News

ZIMRIGHTS, ERC neMamwe Masangano Opomerwa Mhosva yeKusafambisa Mari Zvakanaka neAmerica


VaOkay Machisa
VaOkay Machisa

Sangano reCrisis in Zimbabwe Coalition rinoti richautaura nenhengo dzaro dzakaita seElection Resource Centre neZimrights dzinonzi neUnited States Agency for International Development (USAID) dzakashandisa mari zvisizvo.

Mutsamba yakanyorerwa kuERC, Zimrights nemamwe masangano, Agreement Officer weUSAID, Amai Leona Sasinkova, vakati vainge vave kumira kupa masangano aya mari mushure mekunge ongororo yakaitwa nemahofisi eUSAID muno pamwe nemahofisi aInspector General yaratidza kuti masangano aya ange asiri kufambisa kana kubata mari zvakana kana kuti sezvinotarisirwa.

Sachigaro vebhodhi reERC, VaTrust Maanda, vaudza Studio 7 kuti vakatambaira tsamba iyi yakanyorwa musi wa 26 mwedzi wapfuura uye vati tsamba iyi haina zvikonzero zvizere kuti sei USAID uyave kumira kuvapa mari.

Mutsamba iyi yaonekwa neStudio 7, USAID inoti ongororo ichiri kuenderera mberi. VaMaanda vanoti vakatonyorera kuUSAID kuti ivape zvikonzero zvizere pamwe nehumbowo hwekuti mari yainge isiri kufambiswa zvakanaka.

VaMaanda vati sangano ravo rinowana mari kubva kune mamwe masangano uye richaenderera mberi nezvirongwa zvaro kunyange USAID yamira kuvapa mari.

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition unove mubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, VaTabani Moyo vaudza Studio 7 kuti vachataura nenhengo dzavo dziri kupomerwa mhosva pamwe neUSAID kuti vakanzwisise kuti chichaicho chakaitika.

Vanongorora nyaya dzehupfumi VaMasimba Kuchera vati danho ratorwa neUSAID rinogona kudzorera kumashure mabasa ekurwira kodzero dzevanhu munyika.

Hatina kukwanisa kutaura nemuzinda weAmerica kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi pandandemutande rawo reTwitter muzinda uyu wati haungaregi mari yawo ichishandiswa zvisizvo.

Pane mashoko ari kutambirwawo neStudio 7 ekuti dzimwe mari dzaisafambiswa zvakanaka idzi dzakashandiswa kutenga dzimba muHarare nevamwe vakuru vemasangano aya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG