Accessibility links

Breaking News

ZIMPARKS Yobata Shumba Dzange Dzorura kuDete, Hwange


Mutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority kana kuti ZIMPARKS VaTinashe Farawo vakazivisa nemusi weMugovera kuti bazi ravo richishanda nevamwe varinodyidzana naro vakabata shumba ina dzange dzarura kwemavhiki mana apfuura munzvimbo yeMabale neDete kuHwange.

Kubatwa kweshunba idzi kwakatambirwa nemufaro nevagari vemuzvimbo idzi sezvo shumba idzi dzange dzichidya zvipfuyo zvavo uye vanhu vange votya kufamba husiku.

VaFarawo vaudza Studio 7 kuti shumba idzi dzadzoserwa musango munogara mhuka vakati dzawandisa zvopa kuti dzigume dzoenda kumisha yevanhu.

Hurukuro naVaTinashe Farawo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG