Accessibility links

Breaking News

Muzvare Masarira Voshushikana Zvichitevera Kudzikiswa kweMazuva eQuarantine


Muzvare Linda Masarira.

Mutungamiri webato rinopikisa, reLabor, Economists and Afrikan Democrats, Muzvare Linda Masarira, vanoti havasi kufara nekudzikiswa kwakaitwa nguva yekuchengetedzwa kwevanhu vanenge vapinda munyika apo vanenge vachiongororwa kana vaine hutachiwana hweCovid -19 here kana kuti kwete.

Hurumende yakazivisa svondo rino kuti yakanga yaderedza mazuva anoiswa vanhu mu quarantine kubva pamazuva gumi nemana kusvika pamuzuva manomwe.

Asi Muzvare Masarira vanoti kuita kwakadai kuchapa kuti munyika muite dambudziko guru reCoronavirus sezvo vanhu vacharegedzwa vachipinda munyika ivo vatori nechirwere cheCovid-19 asi chisati chabuda.

Hurongwa hwekuchinja mazuva anoiswa vanhu vanenge vachibva kunze kwenyika mu quarantine, hwakaziviswa negurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo.

Asi Muzvare Masarira vanoti danho rakatorwa iri rinotyora kurudziro yesangano reWorld Health Organization.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaMoyo sezvo nharembozha yavo yanga ichinetsa kubata.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Energy Mutodi, vanoti hapana zvakaipa zvakaitwa nehurumende.

VaMutodi vanoti Zimbabwe ichange ichitevera mitemo yese inokurudzirwa neWorld Health Organization apo inenge ichitambira vanhu vanopinda munyika munguva iyo nyika yakavharwa nekuda kwechirwere cheCovid-19, icho chabata vanhu makumi matatu nemumwe chete, uye kuuraya vanhu vana muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG