Accessibility links

Breaking News

ZimExpo USA 2011 Inotanga muCincinnati, kuOhio


Cincinnati, Ohio, has its own riverboat terminal on the Ohio River.
Cincinnati, Ohio, has its own riverboat terminal on the Ohio River.

Chirongwa cheZimExpo USA 2011 chatanga muguta reCincinnati ku Ohio, neChishanu uko vanhu vari kuungana kuzoona zvinenge zvichiitwa nevana veZimbabwe munyaya dzemabhizinesi, mitambo nezvimwe zvakadaro.

Gore rino ZimExpo iri kuitwa kwemazuva matatu. Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kugadzirisa magwaro azvo ekufambisa, azvinenge zvichipihwa mukana wekuita izvi.

Humwe hurongwa ndehwekusangana kwevanhu vanobva mumativi mana enyika, kusangana kwevanhu vakadzidza pazvikoro zvimwe chete, uye kuita mafaro mukupera kwezuva reChishanu.

Mugovera vanhu vachange vachiona makambani achiratidzira zvinhu zvawo, kupana mazano munyaya dzemabhizinesi, pamwe nekugadzirira makwikwi etsvarakadenga dza Miss Zim-USA 2011. Makwikwi aya achaitwa manheru mangwana.

Gore rino ZimExpo ine chirongwa chitsva cheZimbabwe Business Network International, icho chichange chichishanda nevemabhizimisi vari muAmerica mukuyedza kutsvaga nzira dzekubatsira avo vanoda kuita zvemabhizimisi kuZimbabwe.

Vanoona nezve kufambiswa kwechirongwa ichi, VaEsau Mavindidze, vanoti chirongwa chavo chiri kufumba zvakanaka uye chichaparurwa paZimExpo yegore rino.

Sangano reAffirmative Action Group, kana kuti AAG, riri kuZimExpo USA 2011 uko riri kutarisira kuita misangano nevemabhisimisi vachange vari pagungano reZimExpo.

Munyori mukuru musangano iri, VaTafadzwa Musarara, vanoti sangano ravo richange richitsanangura kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri ku ZimExpo kukosha kwakaita chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema.

Sangano iri rinotiwo richaita misangano nemasangano emuAmerica anonzwisisa nyaya yakatarisana nevanhu vatema muZimbabwe. VaMusarara vanoti vachasanganawo nesangano reDecember 12th Movement.

Sangano iri, iro rine nhengo zhinji dzinogara mu Harlem ku New York, rinozivikanwa zvikuru nekutsigira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, padanho ravo rekubvuta mapurazi evachena.

XS
SM
MD
LG