Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Yoramba Ichiuraya Vanhu Vakawanda Munyika


Huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa nechirwere che Covid-19 huri kuramba huchikwira mazuva ose, izvo nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti mucherechedzo mukuru wekukomba kwaita chirwere ichi munyika.

Izvi zvinotevera kufakwevanhu makumi matatu nevatatu nezuro nekuda kwechirwere cheCovid-19, pamwe nekubatwa nechirwere ichi kwevanhu chiuru chimwe chete nemazana mana nemakumi mana nevaviri, 1 442, nezuro wakare.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa,Dr Henry Madzorera, vati kukwira kwehuwandu nekufa kwevanhu mucherechedzo mukuru wekudzika kwemidzi kwaita chirwere cheCovid-19.

VaMadzorera vati chitsvambe chave kumumhu wese kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Imwe nyanzvi munya dzezvehutano uye vari mumiririri weChinhoyi mudare reNational Assembly, VaPeter Mataruse, vatiwo zvinoshungurudza kuti vanhu vari kuzara kundufu izvo zvinoita kuti vatapurirane chirwere ichi. VaMataruse vati veruzhinji vanofanirwa kutevedzera mitemo inobata Covid-19, uye vagare mudzimba.

Mutauriri webazi rezvehutano, Va Donald Mujiri, vati bazi ravo riri kurwadziwa zvakanyanya nekufa kuri kuramba kuchiita vanhu munyika zvichikonzerwa neCovid-19.

VaMujiri vakurudzirawo veruzhinji kuti vanobaiwa nhomba pamwe nekutevedzera mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 kusanganisira kupfeka mamasiki vakavhara mhuno nemuromo, kugeza maoko nguva dzose, kusaungana uye kumira mumitsetse vanhu vakatarangana.

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vafa nechirwere ichi munyika yose vava chiuru nemazana masere nemakumi mana nemumwe(1841), uye vanhu vabatwa nechirwere ichi vava zviuru makumi mashanu nezviviri nemazana matanhatu nemakumi matanhatu nevatatu, 52, 663.

Vanhu vabayiwa nhomba yekutanga vakanga vava zviuru mazana manomwe nemakumi masere nezvisere nevana, 788,004, uye vabayiwa nhomba yepiri vakanga vava zviuru mazana mashanu nemakumi matanhatu nezvina nemazana manomwe negumi nevana, 564,714.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi manheru apo hurumende ichizivisa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu nhomba yeCovid-19 vanosvika mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana.

Asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti pachine mutoro mukuru wekuti hurumende ibaye vanhu nhomba nehuwandu hwairi kutaura pachitariswa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba kusvika pari zvino.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG